Ezekiel 37

Mupata waMapfupa Akaoma

1Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. 2Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. 3Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?”

Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.”

4Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: 5Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. 6Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

7Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. 8Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo.

9Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ” 10Saka ndakaprofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo; vakararama vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.

11Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri. Ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro; taparadzwa hedu.’ 12Naizvozvo profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa vanhu vangu, ndiri kuzozarura marinda enyu ndigokubudisai maari; ndichakudzoseraizve kunyika yaIsraeri. 13Ipapo imi, vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichazarura marinda enyu ndichikubudisai maari. 14Ndichaisa mweya wangu mukati menyu mugorarama, uye ndichakugarisai munyika yenyu. Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndakazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”

Rudzi rumwe chete pasi pamambo mumwe chete

15Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 16“Mwanakomana womunhu, tora rutanda unyore parwuri kuti, ‘ZvaJudha nezvaIsraeri shamwari dzake.’ Ipapo utore rumwe rutanda, ugonyora pamusoro parwo kuti, ‘Rutanda rwaEfuremu, norwaJosefa neimba yose yaIsraeri neshamwari dzake.’ 17Uzvibatanidze pamwe chete zvive rutanda rumwe kuitira kuti zvive rutanda rumwe chete muruoko rwako.

18“Kana vanhu venyika yako vakakubvunza vachiti, ‘Haungatiudziwo zvaunoreva nechinhu ichi here?’ 19uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzotora rutanda rwaJosefa, rwuri muruoko rwaEfuremu, nerwaIsraeri shamwari dzake, ndigorubatanidza nerwaJudha, ndichiaita rutanda rumwe chete rwehuni, agova rutanda rumwe chete muruoko rwangu.’ 20Uabate pamberi pavo iwo matanda awakanyora paari 21ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kubva munyika dzose kwavakanga vaenda ndichadzosera vaIsraeri munyika yavo. 22Ndichavaita rudzi rumwe chete munyika iyo, pamakomo eIsraeri. Pachava namambo mumwe chete pamusoro pavo vose uye havachazovazve marudzi maviri kana kupatsanurwa kuti vave umambo huviri. 23Havachazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo kana nezvinonyangadza zvavo kana kudarika kuipa kwavo, nokuti ini ndichavaponesa pazvivi zvavo zvokudzokera shure, uye ndichavanatsa. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo.

24“ ‘Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo pamusoro pavo, uye vose vachava nomufudzi mumwe chete. Vachatevera mirayiro yangu uye vachachenjerera kuchengeta mitemo yangu. 25Vachagara munyika yandakapa kumuranda wangu Jakobho, iyo nyika yaigara madzibaba avo. Vachagaramo nokusingaperi ivo navana vavo navana vavana vavo uye Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi. 26Ndichaita sungano yorugare navo; ichava sungano isingaperi. Ndichavasimbisa, ndichavawanza uye ndichaisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi. 27Ugaro hwangu huchava pakati pavo, ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. 28Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndinoita Israeri kuti ave mutsvene, kana nzvimbo yangu tsvene ikagara pakati pavo nokusingaperi.’ ”

Copyright information for SnaBDSC